Dudu Muduri
Ndangariro kune dzimwe Mbiru dzeZimbabwe
About
Pakura unzwe mutakunanzva wehari yakatsetsenurwa inopembera unyanzvi neukoshwa hwezvimwe zvezvizvarwa zvenyika yeZimbabwe.
Dudu Muduri muunganidzwa wenhetembo unonakidza unopemberera vamwe vevaimbi vemuZimbabwe, vananyanduri, vashamarari, shamwari, vazvinafundo, vavhimi, vazivi, vavezi, vatambi, vafambi uye vamwe vanoremera migwagwa. Vose ava vanorumbidzwa munhetembo dzakasiyana maringe nehushumiri hwavo. Iri zita Dudu Muduri kambo kekudana mazita kanoimbwa pakudzvura, pakutamba kana kubhora. Uyo adanwa anobva ashenaira kwazvo achiita manyukunyuku. Vanzwei vachidanwa mubhuku rino. Zvinosuwisa vamwe vakatungamira ngavazorore murugare, mabasa avo anoremekedzwa narinhi. Varipo ngavaenderere mberi, vachipihwa sando dzavo.